Skip to main content

Carnelian Heart Publishing Ltd

Shamhu Yezera Renyu (Shona Edition) - 9781914287114

No reviews yet
Product Code: 9781914287114
ISBN13: 9781914287114
Condition: New
$16.34

Shamhu Yezera Renyu (Shona Edition) - 9781914287114

$16.34
 
Shamhu yeZera Renyu iyeuchidzo yekuti; shamhu kana bazi remuti raunomhara pariri ndiro rinokupa muono wezera rako maringe nekuti rakatunhumara zvakadini! Ichokwadi kuti shiri inomhara pashamhu kana pamufaro wakaringana nayo. Mubhuku iri Memory Chirere anoshandisa chidavado chekutevera nyaya sasarungano. Mune tunzendo nekupemhena; kukwira nekudzika nekuzvongonyoka uchitsvaga pekubuda kana pekupinda napo... Kutsvaga kuti zvose zvinouya pamunhu zvakatangira kupi? Kwozoita izwi remupfuurinenzira ari kuona asi iye asingaonekwe! -Robert Masunga, Lecturer, Birmingham, UK Nhetembo dzaVaChirere dzinondiyeuchidza mbira nyunganyunga yandinoridza. Nyunganyunga yaridzwa kwemakore mazhinji zvekuti ungatofunga kuti hapana chimwe chitsva chingaitwe nayo. Ine mazino mashoma, ukapusa hauna zvizhinji zvaunoridza pairi. Saka zvinoda unyanzvi neumhizha sehwaVaChirere kuita zvishamiso uchishandisa chinhu chemazuva ese kudai. -Hope Masike, Gwenyambirakadzi, The Sunday Mail, Zimbabwe Mubhuku rake rino renhetembo rechipiri kubva pana Bhuku Risina Basa, Memory Chirere ari kuenda mberi nekutitora mapikicha achishandisa mazwi. Tinozviona nokuti tiri vanhu vari kurarama munguva imwechete naye. -Prof Ruby Magosvongwe, University of Zimbabwe



Author: Memory Chirere
Publisher: Carnelian Heart Publishing Ltd
Publication Date: Jun 23, 2023
Number of Pages: 92 pages
Language: Shona
Binding: Paperback
ISBN-10: 1914287118
ISBN-13: 9781914287114
 

Customer Reviews

This product hasn't received any reviews yet. Be the first to review this product!

Faster Shipping

Delivery in 3-8 days

Easy Returns

14 days returns

Discount upto 30%

Monthly discount on books

Outstanding Customer Service

Support 24 hours a day