Skip to main content

Carnelian Heart Publishing Ltd

Zvingori zvidhori nezvigure zvakadhakwa

No reviews yet
Product Code: 9781914287497
ISBN13: 9781914287497
Condition: New
$16.53

Zvingori zvidhori nezvigure zvakadhakwa

$16.53
 
Shoko rinoti, "Musandikomborere nemakuhwa, Kana nezvakadhakwa, zvinonhuwa" inzwi richiti, "Sei zuva richidoka richipa rima nevaroyi hushe?" Zvimwe zvinoda ari meso ako omene achiona mavara anoti,

Ndakasangana nenyoka ine nyota,

Nyoka yaitemwa nemusoro, yakarukutika.

Payakandiona yakaswedera pedyo ikashama

Kwete kuti indirume, asi ichikumbira

mvura yaive yasara muchigubhu changu.

Ndakavhura chigubhu ndikanwisa nyoka,

Ndikanzwa huro yayo ichirira sehuyo paguyo.

Yapedza kunwa, yakadzikisa musoro wayo,

Ndikaiona ichienda kwayakaenda kwandisingazive.

Hope, nduri, ngano, nyaya, nenziyo, zvose zvikava panzvimbo imwe zvichivhenekerwa nomwenje weGwara raKurumbi zvinounza nhomba inenge yeuya anotsenga chimukuyu. Murimo wechimukuyu kuchitsenga zvishoma nezvishoma zvinyoronyoro seunoda, seusingadi uchiziva zvako kuti hachidyiwi senyama yekugochaka, kana yokubika, zvakare hachinaki senyama yekugocha kana yekubikwa, asi chinomunakire wacho unomhanya netsinga uchifamba neropa zvishoma nezvishoma zvinyoronyoro.

Kuzvigona kubata rako bhuku raMabasa iri uzvitandarire uchiona zvidhori nezvigure zvakadhakwa zvichidzadzarika kutsvanzvadzira pokutsika kutsvaka nzira seyakatama makeyi. Ngwarira kuwirwa zvazvadai kudhakwa!

Tinashe Muchuri




Author: Ignatius T. Mabasa
Publisher: Carnelian Heart Publishing Ltd
Publication Date: Feb 14, 2025
Number of Pages: 194 pages
Binding: Paperback or Softback
ISBN-10: 1914287495
ISBN-13: 9781914287497
 

Customer Reviews

This product hasn't received any reviews yet. Be the first to review this product!

Faster Shipping

Delivery in 3-8 days

Easy Returns

14 days returns

Discount upto 30%

Monthly discount on books

Outstanding Customer Service

Support 24 hours a day