Skip to main content

Carnelian Heart Publishing Ltd

Mafuta Enguruve

No reviews yet
Product Code: 9781914287572
ISBN13: 9781914287572
Condition: New
$17.45

Mafuta Enguruve

$17.45
 
MAFUTA ENGURUVE

Ndiani chaizvo anourauya Maisva? Ko sei mhondi ichisiya mari yaMaisva yakadaro iyo yakawanda kudaro iyo mhondi isina kana mari? Chiiko chiri kumboitika? Zviri pachena kuti Mafuta Enguruve inyaya yeutikitivha isina matikitivha pose pose. Inenge inozvitikitivha yega kubva pakutanga kusvika mapurisa vazopinda. Mhondi yacho haisi mhondi chaiyo chaiyo... nokuti inotove nebanga rainoshandisa kuveza migoti yakaisvonaka zvokuti vamwe vana amai vanoichemera kunge siwiti. Banga iroro rine mhere. Hakuna asingarirumbidze. Manyorero aTrust Mutekwa ari pano akafanana nekudhirowa. Nyaya haimhanye sebhiza nokuti Mutekwa anenge achidhirowa vanhu nenyika zvakadzika dzika zvamusati mamboona munovhero reShona. Unonzwa zvonzi: "Masamba akaradzika meso ake mumugwagwa waibva pazvitoro wakananga kumavirira. Akaurega wopota neseri kweziware uchinonyura mudondo reDzimidza. Akabva ayeva riya ziware rekuviga mugwagwa. Pamusoro paro paiva nemiti isina kunyanya kuwanda. Paivawo nemafuri nematombo machena nematsvuku ekuti kana uri chinhambwe, zvairatidzika semakwai akazorora zvawo nembudzi... Masamba akaita dzimwe nhanho shoma ndokumbomira zvekare achiteerera mushana seshato pakati pegura. Chaingofamba ndiwo meso aiva zvino adzoswa kusvika ave padundundu pake. Marara emugoti waaiveza akanga asiti nyirinyiti kubva padundundu achidzika nedumbu. Akaumba pfuko nematama ndokubva avhutira Nyamavhuvhu. Marara akabva ati dzvamu...

Memory Chirere, University of Zimbabwe

Mafuta Enguruve, handiti ndiwo anokanga nyama kusvika yatsvukirira! Nekuku achinzi anokanga iyo nguruve yacho mbune! Paucharava nyayanyorwa yaTrust Mutekwa uchatekwaira uchitsvaka panopisa pemafuta enguruve nepachapisa mafuta enguruve. Nekuno uchitsvakazve pachakangwa nyama nemafuta enguruve ichitsvukirira zvekurwerwesa rute nepachakangwa iyo nguruve mbune nemafuta ayo.

Munganonyorwa yaTrust Mutekwa yokutanga ino anosiira zvake kuti muravi aite kafiramberi. Ndiyaniwo zvake angachenese Dyiwa pazororo raMaisva ivo vaive katsi nagonzo pakugarisana kwavo? Kanapo angafungire kuti Masamba ainge asiyana musango reDzimidza! Nyorwa yakarukwa zvokuti muravi anoona mipikicha yakaurungudwa namazwi ichiyanika firimu mupfungwa nemuhana. Zvinongosara zvoti dai wangochivhurawo mapeji enyorwa ino wazvionera panopisa nepanopiswa nemafuta enguruve ichizvikanga kana kukanga nyama.

Tinashe Muchuri, munyori nemuturikiri

Apa pakashandwa. Ndanga ndave nenguva refu ndisati ndasangana nenovhero reShona rinondigarisa pasi seizvi.

Ignatius T Mabasa, munyori, sarungano nemuturikiri




Author: Trust Mutekwa
Publisher: Carnelian Heart Publishing Ltd
Publication Date: Nov 15, 2024
Number of Pages: 134 pages
Binding: Paperback or Softback
ISBN-10: 1914287576
ISBN-13: 9781914287572
 

Customer Reviews

This product hasn't received any reviews yet. Be the first to review this product!

Faster Shipping

Delivery in 3-8 days

Easy Returns

14 days returns

Discount upto 30%

Monthly discount on books

Outstanding Customer Service

Support 24 hours a day